JW subtitle extractor

Kuyeuka Rufu rwaJesu

Video Other languages Share text Share link Show times

Fungidzira uchirarama munyika ine rugare,
isina kana kutambura,
munhu wose achiwana zvokudya,
uye munhu wose aine utano hwakanaka.
Asi zvinoita here kuti pave
neupenyu hwakanaka hwakadaro?
Ehe, zvinoita,
nemhaka yezvatakaitirwa naJesu.
Jesu chaakauyira panyika pano
ndechekuti azotifira
nekuti anotida.
Usiku hwekupedzisira asati afa,
Jesu akatiudza kuti tiyeuke rufu rwake.
Akati:
“Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”
Gore negore, pasi rose vanhu vanoungana
musi waakafa
kuti vayeuke rufu rwake.
Zvapupu zvaJehovha zvinokukoka
iwe nemhuri yako
kumusangano wekuyeuka rufu rwaJesu.
Pamusangano wacho,
uchadzidza kuti nei chibayiro chaJesu
chichikosha chaizvo
uye kuti zvaakavimbisa zvingakubatsira sei.
Kuti uzive kuchaitirwa musangano wacho,
piwa pepa rekukukoka
neChapupu chaJehovha
kana kuti enda pajw.org
wobaya pakanzi NEZVEDU,
wozobaya pakanzi MISANGANO.